1 Corinthians 8

Kudya zvakabairwa zvifananidzo

1Zvino maererano nezvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti tese tine ruzivo. Ruzivo rwunotutumadza, asi rudo rwunovaka. 2Uye kana ani nani achifunga kuti anoziva chinhu, haasati aziva chinhu sezvaanofanira kuziva; 3asi kana ani achida Mwari, ndiye anozikanwa naye. 4Naizvozvo maererano nekudya zvinhu zvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachisi chinhu panyika, uye kuti hakuna umwe Mwari kunze kweumwe. 5Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga, kana panyika (sezvavaripo vamwari vazhinji, nemadzishe mazhinji), 6asi kwatiri kuna Mwari umwe, Baba, zvinhu zvese zvinouya naye, nesu tiri maari; naIshe umwe, Jesu Kristu, zvinhu zvese zviripo nekuda kwake, nesu tiripo naye. 7Asi ruzivo harwuko kwavari vese; nokuti vamwe vane hana yechifananidzo kusvikira ikozvino, vanodya sezvakabairwa chifananidzo; nehana yavo isina simba inoshatiswa. 8Zvino kudya hakutiswededzi kuna Mwari; kwete nokuti kana tichidya, tinowanzirwa; uye kwete kuti kana tisingadyi, tinoshaiwa. 9Zvino chenjerai, zvimwe kodzero yenyu iyi ive chigumbuso kune avo vasina simba. 10Nokuti kana umwe achikuona iwe ane ruzivo ugere pakudya mutembere yechifananidzo, hana yeasina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabairwa zvifananidzo here? 11Uye neruzivo rwako hama isina simba ichaparara here, Kristu yaakafira? 12Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchikuvadza hana yavo isina simba, munotadzira Kristu. 13Naizvozvo kana kudya kuchigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama kusvikira narinhi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu.

Copyright information for Shona